Ndinouya from Nhungo by Gwevedzi
Tracklist
3. | Ndinouya | 3:46 |
Lyrics
VERSE 1
Jongwe zvoro kukuridza mudiwa mukaaa.
Ndoringe nzira ndoyambukira mhiri kwehova..
Tarira ndo kunoenda vamwe,ndo kunoenda vamwe..
Hongu kure kwegava usiko mutsubvu..
Asi usarega kunyengetera ndidzoke kumbaaa..
Tounganidza pfuma hona nhamo ingazotikunda..
Tarira ndo kunoenda vamwe,ndo kunoenda vamwe..
Hongu kure kwegava usiko mutsubvu..
PRE-CHORUS
Misodzi bedzi ndiriko kune rimwe divi rerunhare.
Mdosurukirwa ndoga choga chandinoda kuti ufare.
Chinondituma hurombo mudiwa,rega ndinoteya rangu riva.
Ndonoratidza udzimba zuva rovira usachema,zviri mumeso.
CHORUS
Tsoka dzine guruva ndinomhanya nedondo,mugovera neSvondo.
Handina zorro kushanda bedzi sechiringa zuva.
Asi nguva icha dudzira..nguva icha dudzira.
Padzichapera shungu uchandiona ndinouya.
VERSE 2
Wedenga ndiringe ndiringe musango,zvandiri ndoga.
Zvichibvira ndive Zambiringa munyemba parinodoka.
Aah ehe ndipapa,pane moyo ndipapa.
Tenzi ndirerutsire miyero nditsaurire.
Usafunge, handina moyo kwete..
Ingori nguva chete,dondi tendera ndiende.
Tarira ndo kunoenda vamwe,ndo kunoenda vamwe..
Hongu kure kwegava usiko mutsubvu..
PRE CHORUS