Malaitsha from Nhungo by Gwevedzi
Tracklist
7. | Malaitsha | 5:56 |
Lyrics
VERSE 1
(Uh uh uh uh uh uh uh uh)*2
Hello,hello mudiwa ah ah.
Hello mudiwa...ah
Ndafara wadaira phone.
Ini ndiri mutano unofara here.
Ndanga ndane nguva sure ndaka nyarara,
Ndakawana mushando ikozvino zvazobatana.
Kubva mwedzi uno neiyo inouya,
Tarisira kugashira mapasuru amai mwana.
Zvawakaraira yechikoro nezvekupfeka.
Kuno kuna malaicha,ndiye wandichapa.
CHORUS
Uh uh uh uh uh uh uh uh,
Malaitsha...(*4)
Ndabata hana mumawoko.
Musandi batise pasi.
Monondi svitsira kumba.
Akarindira mudiwa wangu....(*2)
VERSE 2
Unombozivei,paye wakati unodei.
Zvino wafungei,taura neni wasekei.
Hongu zvizhinji zvawakaraira paye.
Asi serwendo rwokutanga pandinokwanisa ndaedza.
Tora nhamba dzefoni udzichengete usarega.
Umubate malaicha,ndiye wandichapa.
VERSE 3
Yako minyengetero yakasvika,matenga akazaruka.
Nguva iye yakadudza,zvino murutsva tochiyambuka.
Padoko padoko,kubva zvino raramo yoreruka.
Chaiva chishuwo chemoyo pakutanga kana uchayeuka.
Anouya svondo rino,Rindira.