Hapachina from Nhungo by Gwevedzi
Tracklist
9. | Hapachina | 4:11 |
Lyrics
VERSE 1
Hapachina masiku mazhinji ndisati ndapetwa,
Nguva inondikwevera kure nemusasa.
Ndoziya ririko dare rakasogarwa Kare kare,
Nazvino tsuri yorira tsoka dzoringe Koo.
Tarira hapasisina, chimwe chaunga garira,
Ndangova chinokoro musoro wehoromba.
Hana yorovera pachena mapfupa orukutika,
Dai zvaifanira waingobira zvako.
PRE-CHORUS
Ndoshuva chiedza chiedza...ndogarira koedza,
Ngarizonyura wapedza kuronga nhanho iyewe.
Ndiripo kuneyo nyika,ndangariro hadzimbo dzima,
Daí wango teerera...wadzika kumana.
CHORUS.
Kunge mhepo,Inovhuvhuta.
Simba rangu,rinosimuka.
Tarira,topesaniswa nayo nguva.
Chinzwa zvino...
Moyo wako, usanyunyuta.
Tariro isakamuka.
Handina masimba ekumbomisa nguva.
VERSE 2
Kune zwii... rinondidana.
ko ndiro zuva,randai shandira yose nguva.
Parai buda nekunonyura...
Handiregi...richindipfura.
Chandinoshuwa,kusvika muneimwe nguva.
Zvino Handina chekusuwa...
Zvayakwana...
Nguva ndochitsauka.
Iwe chienderera urinde rako zuva.
Handiregi....richindipfura.
Chandinoshuwa,kusvika muneimwe nguva.
Zvino handina chekusuwa...